ExamineAI
First page of Shona Noun classes (Mipanda yemazita) Notes Zimbabwe

Shona Noun classes (Mipanda yemazita) Notes Zimbabwe

Study Shona notes on Noun classes (Mipanda yemazita). Useful for revision, homework, and exam preparation in Zimbabwe.

A free account is needed to download. Sign in or create one

Subject
Shona
Document
Notes
File
PDF, 207 KB

About this notes

This is the Shona notes. It is a free notes for revision.

More Shona papers

Text from the first page

MIPANDA YEMAZITA.

Mazita anopinda muzvikwata zvakasiyana. Zvikwata izvi zvinonzi mipanda. Pane nzira ina dzinonyanya kushandiswa kuisa mazita mumipanda yakasiyana-siyana.

NZIRA DZEKUISA NADZO MAZITA MUMIPANDA
a).Chivakashure chakafanana.

Manzwi ane chivakashure chakafanana mazhinji acho anopinda mumupanda wakafanana. Muenzaniso ndewekuti manzwi anoti mukomana, mufundisi, mutikitivha ari mumupanda umwe chete unova mupanda 1 nekuda kwekuti ane chivakashure chakafanana chinova mu-. Manzwi anoti chikomana, chisikana nachana ari mumupanda umwe chete unova mupanda 7 nekuda kwekuti ese ane chivakashure chimwe chete chinova chi-.
b) Manzwi anoreva zvakafanana.

Iyi ndeimwe nzira zvakare inoshandiswa kuisa mazita mumipanda yawo. Manzwi anoiswa mumupanda umwe chete nekuda kwekuti anoreva zvakafanana. Tikacherechedza manzwi anoti kutamba, kudya, kuseka nakubata ari mumupanda umwe chete unova mupanda 15, nekuda kwekuti ese zviito. Iyi nzira ndiyo inoita kuti mamwe manzwi ane zvivakashure zvakafanana apinde mumipanda yakasiyana sekuti manzwi anoti mumunda, munhandare namurwizi haapindi mumupanda 1 chero ane chivakashure mu- chinova chivakashure chemupanda 1 zvakare nekuti manzwi aya ese anoreva nzvimbo saka anopinda mumupanda 18.
c) Sungano yeushoma neuzhinji yakafanana.

Mazita anenge ari mumupanda mumwe chete ari muushoma kana ava muuzhinji anowanzopinda mumupanda umwe chete zvakare ava muuzhinji. Tikatarisa manzwi ari mumupanda 3 ari muushoma asi kana ava muuzhinji anopinda mumupanda 4.

Mupanda 3 (ushoma) Mupanda 4 (uzhinji)
muti miti
munzwa minzwa
munda minda.
Nzira iyi inoshanda zvakare pamipanda yakawanda se 1 ne 2,5 ne 6 , kotiwo 7 ne 8
Mupanda 7 (ari muushoma) Mupanda 8 ( ari muuzhinji)
chana zvana
chingwa zvingwa

1