ExamineAI
First page of O-Level Shona Tambaoga Mwanangu Notes Zimbabwe

O-Level Shona Tambaoga Mwanangu Notes Zimbabwe

Study Shona notes on Tambaoga Mwanangu for O-Level. Useful for revision, homework, and exam preparation in Zimbabwe.

A free account is needed to download. Sign in or create one

Exam board
ZIMSEC
Subject
Shona
Level
O-Level
Document
Notes
File
PDF, 2.5 MB

About this notes

This is the ZIMSEC O-Level Shona notes. It is a free notes for revision.

More Shona O-Level papers

Text from the first page

119

TAMBAOGA MWANANGU
1) ONGORORO YOMUSORO WEBHUKU

Musoro webhuku chirevo chine donzo rerairo nokudaro irairo yaShe Mupakaviri kumwanakomana wake Tambaoga kuti atsvage ega mhandu yakauraya baba vake uye kuti avatsvage ega pavakafira nokuvaviga ega.

Panobuda musoro webhuku
" P6 panoti, "Handikuudzi kuti ndiani nokuti uri munhu wemurume. Watova murume izvozvi. Saka uchatsvaga wega ukamuwana. Zita rako ndiTambaoga nokudaro uchatamba wega mukati meshura iri".
- P11 Tambaoga anonetseka ega kutakura chitunha chababa vake. Panonzi, "zvakanetsa Tambaoga kuti asimudze baba vake achivaisa kumusana, asi pava pasipo akazvigona. Akatatarika nechitunha ichocho achikwira chikomo cheMaringa".
- P13 Tambaoga anoona nhamo oga yokuviga baba vake muninga. Panonzi, "Kana ivo vakuru-vakuru vaipinda imomu hana dzichirova. Ko, zvino kumwanakomana mumwe chete zvake asina ani wokutaurirawo kuti ndisvitse icho, kana kuti handei napapa, kana kuti ndivhenekerewo apa ndione, kana kuti bata napapa titakure tose"?
- P13 Tambaoga anozvibvunzawo achiti, "Ko, ivo baba vandipirei basa rakaoma kudai? Vanga vadii kungonditaurira kuti kana ndavaona ndigozivisa vanhu vokumusha kuti vauye kuzondibatsira kuita izvi? Zvingadai zviri nani".
- P17 Tambaoga aizotsvaga oga mhandu nokuitonga oga. Anoti, "Ndichaiwana ndigoitonga ndega, kwete nokumusana sezvamakaitwa imi asi nemberi kwayo, takatarisana.
- P47 Tambaoga anoronga ega mazano okutsvaga mhandu. Mai vake vanomuti, "ungarongeiko wega nhai Tambaoga".
- P49 Tambaoga anorwa ega nemhandu ichibva yapoya. Panonzi, "Zvakatatsurana zvakadaro. Achiri kutsi kwehope kudaro, murume uyu akabva apoya. Sara wega uchitamba, Tambaoga mwanangu".
- P67 Tambaoga paanopoya achinogara musango anogara upenyu ari ega uyewo Tapiwa munin'ina wake anenge ave kutamba ega asisina shamwari. Tapiwa anoti, "Mukoma havasisipo, saka ndotamba zvangu ndegaka? Naiyewo otamba zvake ega nhai?"
- P110-111 Tambaoga anorwisa nokuuraya oga vaZinwamhanga.

Cherechedzo
Mudzidzi anogona kuwedzera dzimwe pfungwa dzasara dzinojeksa musoro webhuku.
2) NZVIMBO INOITIKIRA NYAYA

Nyaya inoitikira munyika yaShe Mupakaviri. Munyika iyi mune nzvimbo diki, misha nematunhu